Handisati ndambonzwa nezvake. Akanaka sei Tristel?
Iwe unofarira mimhanzi yake kana kuti unongofarira chete kutaridzika kwake?
Ndichiri kuteerera nziyo dzake.
Parizvino handisi kutaura kuti ndinoda chaizvo nziyo dzake, uye nekufamba kwenguva ndichagona kusarudza kana ndichida nziyo dzake.
Nei usingangotauri kuti ungango teerera kumumhanzi wake kana waona kuti akanaka
Ini ndisingamuzive...
Ndiri kuona izvozvi kuti hauna ruremekedzo rwakakwana rwevaimbi vechikadzi
Uri kuisa mazwi mumuromo mangu. Handisarure sezvauri kufunga.
Saka sei wafarira kuunza nyaya yechitarisiko chake.
Hapana kana chakaipa pakuva nemafungiro.
Dzimwe nguva maonero ako haaremekedze vaimbi vechikadzi.
Ndosaka vamwe vaimbi vechikadzi muZimbabwe vachigunun'una kuti havaratidzirwe rutsigiro rwakakwana sevaimbi vechirume.
Kana munhu asingakwanise kuimba. Haangogone kuimba.
Izvo hazvina basa kana munhu wacho ari muimbi wechirume kana kuti muimbi wechikadzi.
Muimbi anofinha, angori muimbi anofinha.
Kana munhu asingakwanise kuimba. Haangogone kuimba.
Izvo hazvina basa kana munhu wacho ari muimbi wechirume kana kuti muimbi wechikadzi.
Muimbi anofinha, angori muimbi anofinha.
Ahyas... Zvepano here? Zvakaoma.