Numero Uno

grand master
Verse riri muBhaibheri vaEfeso 5:18,
18 Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.
what do y'all oans think about that vaEfeso verse in regards to people who say muKristu should never sip mhamba, waini, musombodhiya oro ngoma.
 

Scorpio

grand master
Hanty Jesus akachinja mvura kuita waini (Johani 2:1-11). Saka hapana chakaipa kuti munhu anwe doro. Vana papa vemazuva ano vanonyepa stereki.


1
Zvino nezuva retatu, mutambo wokuwana waivapo paKana yeGariri; namai vaJesu vakanga varipo.
2
NaJesuvo navadzidzi vake vakadamwa kumutambo wokuwana.
3
Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.
4
Jesu akati kwavari: Ndineiko newe, mukadzi? Nguva yangu ichigere kusvika.
5
Mai vake vakati kuvaranda: Zvose zvaanokuvudzai, muzviite.
6
Zvino kwakanga kwakaiswa zvirongo zvitanhatu zvamabwe, netsika yokunatsa yavaJudha, chimwe nechimwe chaizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu.
7
Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamiromo.
8
Akati kwavari: Cherai zvino mukumikidze kumubati womutambo. Vakaita saizvozvo.
9
Mubati womutambo wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba,
10
akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe pakutanga unopa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
11
Ndiko kutanga kwezvishamiso kwakaitwa naJesu paKana yeGariri, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
 

Black Panther

grand master
The most important thing is to DRINK RESPONSIBLY. Because when you drink, it impairs your thinking and you could harm yourself and others.
 

Borrowdale Barron

grand master
It's not a sin to drink ngoma if you are sick.

However, I am not sure about the case of people who drink mushonga for recreational use though. I would like to think muBhaibheri there must be verses that address people who regularly abuse mangemba, mushonga, etc.
 

Lenard

Lenard Maseko
The most important thing is to DRINK RESPONSIBLY. Because when you drink, it impairs your thinking and you could harm yourself and others.

Yes, but in general people drink just to get drunk! They don’t drink responsibly. The same applies to people who are into ngoma (mushonga).
 

Scorpio

grand master
Yes, but in general people drink just to get drunk! They don’t drink responsibly. The same applies to people who are into ngoma (mushonga).

Which is why they should learn to drink responsibly. If a person lives alone and chooses to get drunk at home, that is their affair. But in public spaces, you owe others a duty to drink within your capacity.
 

Bla Jedza

apprentice
I always know drinking mhamba (waini kana masese) is not a sin but when it becomes too much and out of control then it’s a sin.
 

Scorpio

grand master
What about mudzanga and chinaira (mbanje). Is there any writing muBhaibheri that says kuputa chamba is a sin?

The argument I often hear about nyaya yembanje nefodya comes from Genesisi 1:11-31

11 Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo. 12 Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka. 13Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu.
14 Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore; 15 ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo. 16 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo. 17 Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti
zvivhenekere panyika, 18 zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka. 19 Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.
20Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga. 21 Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka. 22 Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika. 23 Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu.
24 Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo. 25Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
26 Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. 27 Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. 28 Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. 29 Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. 30 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo. 31 Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.
 

Scorpio

grand master
So is mukbang (meokbang) a sin?

Meokbang/Mukbang = Gluttony (kudya kunge bhazhe -- nguruve)

MuBhaibheri mune ma verse akawanda anotaura nezvekudyisa:
  • Zvirevo 23:21
  • VaFiripi 3:19
  • Ezekieri 16:49
  • 1 VaKorinde 10:7
  • Tito 1:12


Zvirevo 23:21

21 Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve.


VaFiripi 3:19

19 Kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.


Ezekieri 16:49

49 Tarira, zvakaipa zvomunun’una wako Sodhoma hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa.


Tito 1:12

12 Mumwe wavo, muprofita wavo chaiye, akati: "VaKrete vanhu vanogara vachireva nhema, zvikara zvinokuvadza, simbe dzinokara."


1 VaKorinde 10:7

7 Musavawo vanhu vanonamata zvidhori, sezvakaita vamwe vavo; sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: "Vanhu vakagara pasi kuti vadye nokunwa, uye vakasimuka kuti vafare."
 
Top