11 Mwari akati: Nyika ngaimerese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo. 12 Nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zvakanaka. 13Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu.
14 Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore; 15 ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo. 16 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo. 17 Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti
zvivhenekere panyika, 18 zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka. 19 Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.
20Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga. 21 Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka. 22 Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika. 23 Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu.
24 Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo. 25Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
26 Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. 27 Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. 28 Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. 29 Mwari akati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. 30 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo. 31 Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.